Matthew 20

Mufananidzo wevabati pamunda

1Nokuti ushe hwekumatenga hwakafanana nemunhu, mwene weimba, wakabuda mangwanani-ngwanani kunopinza basa vashandi mumunda wake wemizambiringa. 2Wakati atenderana nevabati padhenario* pazuva, akavatuma kumunda wake wemizambiringa. 3Akabuda neawa rinenge rechitatu, akaona vamwe vamire pamusika, vasina chekuita; 4akati kwavari: Endai imwiwo mumunda wemizambiringa, ndigokupai chero zvakafanira. Vakaendawo. 5Akabudazve neawa rinenge rechitanhatu nerepfumbamwe, akaita saizvozvo. 6Zvino neawa rinenge regumi nerimwe wakabuda, akawana vamwe vamire vasina chekuita, akati kwavari: Makamirirei pano zuva rese musina chekuita? 7Vakati kwaari: Nokuti hapana munhu wakatipinza basa. Akati kwavari: Endai nemwiwo mumunda wemizambiringa, muchagamuchira chero zvakafanira. 8Kuzoti ava madekwani, mwene wemunda wemizambiringa wakati kumutariri wake: Dana vabati, uvape mubairo, uchitanga kune vekupedzisira, kusvikira kune vekutanga. 9Zvino vakati vachiuya veawa rinenge regumi nerimwe, vakagamuchira umwe neumwe dhenario. 10Asi vekutanga vakati vachiuya, vakafunga kuti vachagamuchira zvakapfuura; asi ivowo vakagamuchira umwe neumwe dhenario. 11Vakati vagamuchira vakagunun'unira mwene weimba, 12vachiti: Ava vekupedzisira vakabata awa rimwe chete, asi mavaenzanisa nesu takatakura mutoro wezuva nekupisa. 13Asi wakapindura akati kune umwe wavo: Shamwari, handikuitiri zvisakarurama; hauna kutenderana here neni padhenario? 14Tora zvako uende; ndinoda kupa kune uyu wekupedzisira sewewo. 15Ko handitenderwi kuita zvandinoda nezvangu here? Ziso rako rakaipa, nokuti ini ndakanaka here? 16Saizvozvo vekupedzisira vachava vekutanga, nevekutanga vekupedzisira; nokuti vazhinji vakadanwa, asi vashoma vachasarudzwa.

Jesu anovaudza zverufu rwake nekumuka kwake

17Jesu wakati achikwira kuJerusarema akatora vadzidzi gumi nevaviri vari vega munzira, akati kwavari: 18Tarira, tinokwira kuJerusarema, zvino Mwanakomana wemunhu achakumikidzwa kuvapristi vakuru nevanyori, vachamutongera rufu. 19Vachamukumikidza kuvahedheni, kuti vasveveredze, varove netyava, nekuroverera pamuchinjikwa; asi nezuva retatu achamuka.

Vana vaZebhedhi vanokumbira kuva vakuru

20Zvino kwakauya kwaari mai vevanakomana vaZebhedhi nevanakomana vavo, vakanamata vachikumbira chimwe chinhu kwaari. 21Akati kwavari: Munodei? Vakati kwaari: Taurai kuti vanakomana vangu ava vaviri vagare, umwe kuruoko rwenyu rwerudyi, umwe kuruboshwe, muushe hwenyu. 22Asi Jesu akapindura, akati: Hamuzivi chamunokumbira. Mungagona kunwa mukombe wandava kuzonwa ini here, uye kubhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini? Vakati kwaari: Tinogona. 23Akati kwavari: Muchanwa zvirokwazvo mukombe wangu, nekubhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini; asi kugara kuruoko rwangu rwerudyi, nekuruboshwe rwangu, hazvisi zvangu kuti ndipe, asi ndezvevakazvigadzirirwa naBaba vangu.

24Vanegumi vakati vanzwa, vakatsamwira avo mukoma nemunin'ina vaviri. 25Asi Jesu akavadanira kwaari, akati: Munoziva kuti vatungamiriri vevahedheni vanovatsikirira, nevakuru vanoratidza simba pamusoro pavo. 26Asi hazvingazodaro pakati penyu; asi ani nani anoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushandiri wenyu. 27Zvino ani nani anoda kuva wekutanga pakati penyu, ngaave muranda wenyu. 28SeMwanakomana wemunhu haana kuuya kuzoshandirwa, asi kuzoshandira, nekupa upenyu hwake huve rudzikunuro rwevazhinji.

Jesu anosvinudza mapofu maviri paJeriko

29Vakati vachibuda kubva Jeriko, chaunga chikuru chikamutevera. 30Zvino tarira, mapofu maviri agere parutivi rwenzira, akati achinzwa kuti Jesu wopfuura, akadanidzira, achiti: Tinzwirei tsitsi, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi! 31Chaunga chikaatsiura kuti anyarare; asi akanyanya kudanidzira, achiti: Tinzwirei tsitsi, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi! 32Jesu ndokumira, akaadana, akati: Munoda kuti ndikuitirei? 33Akati kwaari: Ishe, kuti meso edu asvinudzwe. 34Jesu akanzwa tsitsi, akabata meso awo; pakarepo meso awo akaonazve, akamutevera.

Copyright information for Shona